Mark 15

Jesu pamberi paPirato

1Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato. 2Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe. 3Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu. 4Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira! 5Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.

6Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira. 7Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo. 8Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira. 9Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? 10Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo. 11Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi. 12Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha? 13Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa! 14Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!

15Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.

Jesu anodadirwa nemauto

16Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe; 17vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari. 18Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! 19Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata. 20Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.

Jesu anorovererwa pamuchinjikwa

21Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.

22Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya. 23Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira. 24Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei. 25Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa. 26Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.

27Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake. 28Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.

29Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu, 30zviponese, uburuke pamuchinjikwa! 31Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa. 32Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba. 33Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. 34Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei? 35Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria. 36Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa. 37Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.

38Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. 39Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.

40Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome, 41(avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.

Kuvigwa kwaJesu

42Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata, 43Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu. 44Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa. 45Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha. 46Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva. 47Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.

Copyright information for Shona